File:Kumakurakura or Children's play area at NDAFA 2016.jpg

Kumakurakura_or_Children's_play_area_at_NDAFA_2016.jpg(640 × 480 pixels, file size: 125 KB, MIME type: image/jpeg)

Captions

Captions

Add a one-line explanation of what this file represents

Summary

edit
Description
ChiShona: Kumakurakura ndiko kumatakanana kana kumahumbwe kunova kunosangana vapwere vati kurei uko vanenge vachiedzesera kuva vanhu vapwa mhepo. Uku ndiko kwaiitwa mitambo yechihwandehwande, kudzidzira kubika, kusuka, kugara matare nevana vaduku sezvo vaitevedzera vakuru vavo.

Vanhu vazhinji vanogarondivhunza kuti zvino iye zvino vapwere vachine mukana here wenguva yekuenda kundotamba uye kuedzesera mitambo yakasiyana-siyana iyi iyo yaitwa kare. Kareko vapwere va vaienda kundokwasha mabagwe anenge asarira muminda nguva yekukohwa yapera zviya kana yava nguva yamashanga n'ombe dzavaisirisa dzava kusundurwa.

Munguva iyoyi ndiyowo zvekare yaicherwa mbeva nevakomana ava vachichera mbeva dzakaita seshana kana mharo kana kuti nhika idzo dzaiita matutu muminda yakakohewa chibagwe kana nzungu zvishoma zvikuru kuminda yenyimo asiwo zvizhinji kuminda yerukweza kana mapfunde nemhunga.

Vaiti kana vakaunganidza zviyo zvazvo zvavaicheka vaigona kutozobika doro raimwiwa navakuru senzira yekuratidza vakuru ava kuti ivo vanogona kuitawo zvavanoita uye vakadzidza kubva kuvakuru vavo.

Kumakurakura uku kana zvichirehwa paChiNdau kana mahumbwe paChiKaranga kana ChiShona ndiko kunozonzi vamwe vagoimba mhuri dzekuedzesera dzinenge dziina baba, mai, vana, imbwa, n'ombe, huku kana sekuru nambuya zvichibva nekuwanda kwavanhu.

Sezvinoonekwa pamufananidzo vapwere ava vanotovaka misha inoenderana netsika dzavo iri nzira yekudzidzisa vana mabasa kuti vakure vachiziva mitoro yakanangana navo kana vachinge vakura uye kuti vasazotambura kana vakura.

Nhasi kwava namadhorobha izvi zvava zvishoma. vana vokurira pazvimabhiriji panova pasina zvizhinji zvetsika namagariro zvavanosangana nazvo. Zvichida kana kukasimudzwa kuvakwa kwemisha pazhikoro zvinonongedzera magaririro avanhu zvichava zvakanaka asi zvino unozoona kuti dzimba dzinovakwa pachikoro chinodzidza vana vanobva kutsika nemagariro avo unoona kuti zvichida kuchavakwa dzekuChiKaranga, kana ChiZezuru, kana ChiKorekore, kana ChiManyika, izvo zvinosiya vamwe vana vasingazooni magariro netsika dzekumusha kwavo.
Date
Source Own work
Author Chibarabada Kumambure

Licensing

edit
I, the copyright holder of this work, hereby publish it under the following license:
w:en:Creative Commons
attribution share alike
This file is licensed under the Creative Commons Attribution-Share Alike 4.0 International license.
You are free:
  • to share – to copy, distribute and transmit the work
  • to remix – to adapt the work
Under the following conditions:
  • attribution – You must give appropriate credit, provide a link to the license, and indicate if changes were made. You may do so in any reasonable manner, but not in any way that suggests the licensor endorses you or your use.
  • share alike – If you remix, transform, or build upon the material, you must distribute your contributions under the same or compatible license as the original.

File history

Click on a date/time to view the file as it appeared at that time.

Date/TimeThumbnailDimensionsUserComment
current15:01, 5 August 2018Thumbnail for version as of 15:01, 5 August 2018640 × 480 (125 KB)Chibarabada Kumambure (talk | contribs)User created page with UploadWizard

There are no pages that use this file.

Metadata